Maita Nhire.
Umayelane eNdlela.
Ndlela kaHlubi.
Wena kaNgwane, Ngonyama.
Ngiyabonga Mtombe,
Mzimkhulu.
Zvaitwa Mugombi, Shavira.
Vari Utombe, Mahova neHanyanya.
Ndlela, Nhire, Matutu.
Zvaitwa Gwizo, Matekuravhu,
Chikomba cheBanya, vakadzi vakabata muswe.
Sambi Matodzaani, Wakapihwa.
Vanofamba nechingwa muhomwe.
Mafusire, vakafusira chidhoma chichifamba.
Maita Macheza,
Jachamuchacha chemuswe mutema,
Jezamupunga.
Ndlela emaLangeni,
Vakadzidzisa varungu kuchera migodhi.
Maita Gwizo,
Chisionekwi, chinotoonekwa mvura yanaya.
Zvaitwa Nhenga, Umayelane, Vasingadyiwe Nevaroyi.
Dzinza risingatongwe.
Ukavabika havaibve chero nemuto wose.
Maravire, vakwasha vanobvumidzwa kuravira gapu remambuya.
Zvaonekwa Ndlela,
oMzila kawulandelwa, Ungawulandela uyazibambelela !!